Job 4

Erifazi

1Ipapo Erifazi muTemani akapindura achiti:

2“Kana mumwe munhu akava neshoko newe,
iwe uchashayiwa mwoyo murefu here?
Asi ndiani angarega kutaura?
3Funga kuti wakadzidzisa vazhinji sei,
uye kuti wakasimbisa sei maoko asina simba.
4Mashoko ako akatsigira vaya vakagumburwa;
wakasimbisa mabvi akaneta.
5Asi zvino nhamo yasvika kwauri, uye iwe waora mwoyo;
inokurova, iwe ndokuvhunduka.
6Ko, kutya kwako Mwari hakuzi chivimbo chako,
uye nzira dzako dzakarurama tariro yako here?

7“Rangarira iye zvino: Ndianiko, asina mhaka, akamboparadzwa?
Ndokupiko kwakatongoparadzwa vakarurama?
8Sezvandakaona, vaya vanodyara zvakaipa
navaya vanokusha nhamo ndizvo zvavanokohwa.
9Vanoparadzwa nokufema kwaMwari;
vanoparara nokuputika kwehasha dzake.
10Shumba dzingaomba nokunguruma,
nyamba meno eshumba huru akaguduka.
11Shumba inoparara nokuda kwokushaya nyama,
uye vana veshumbakadzi vanopararira.

12“Shoko rakauyiswa kwandiri muchivande,
nzeve dzangu dzakanzwa zevezeve raro.
13Pakati pokurota hope dzinovhundutsa usiku,
hope huru padzinenge dzabata vanhu,
14kutya nokudedera zvakandibata
zvikaita kuti mapfupa angu ose abvunde.
15Mumwe mweya wakapfuura pamberi pechiso changu,
uye bvudzi romusoro wangu rikamira.
16Wakamira,
asi ndakatadza kuziva kuti chaiva chii.
Chinhu chakamira pamberi pameso angu,
uye ndakanzwa inzwi rakanyarara richiti:
17‘Ko, munhu anofa, angava akarurama kupfuura Mwari here?
Ko, munhu angagona kuchena kukunda Muiti wake here?
18Kana Mwari akasavimba navaranda vake,
kana akakanganisa kutonga vatumwa vake,
19zvikuru sei kuna avo vanogara mudzimba dzevhu,
nheyo dzavo dziri muguruva,
dzinopwanyiwa nyore kupfuura chipfukuto!
20Dzinoputsanyiwa pakati pamambakwedza namadekwana;
dzinoparara dzisingazoonekwi nokusingaperi.
21Ko, mabote etende ravo haana kubviswa here
kuti vagofa vasina uchenjeri?’
Copyright information for SnaBDSC